Varume vekuManicaland Vakawanda Votambira Nzira yeVanhurume yeKuronga Mhuri

  • Loirdham Moyo

Sangano rinoona nezvekuronga mhuri reZimbabwe National Family Planning Council rinoti dunhu reManicaland ndiro rine varume vakawanda vari kuzvipira kutevedzera nzira yekuronga mhuri yevanhurume kana kuti vasectomy inoita kuti vasazokwanisa kuzvarisa.

Mukuru wesagano rinoona nezvekuronga mhuri reZimbabwe National Family Planning Council VaDyson Masvingise vanoti vanofara zvikuru nezviri kuitwa nevanhurume muManicaland panyaya yekuronga mhuri.

VaMasvingise vanoti kuchekwa zvachose dzimwe tsinga dzenhengo yesikarudzi yechirume kana yechikadzi zvakanakira kuti hapana zvinetswa zvinozotevera panyaya yekuda kuronga mhuri uye nekuzoda kutora mapiritsi kana kubaiwa majekiseni nguva nenguva.

Muzvare Rosario Manjegwa vanoti kugadzirwa kwesikarudzi yevarume kwakanakira pakuronga mhuri kuitira kuti pasaberekwa vana vasina kurongwa kana kutarisirwa.

Vamwe varume vakatora danho rekuronga mhuri iri vanoti hazvitore nguva pakuchekwa tsinga dzesikarudzi uye zvinopawo kuti madzimai avo asanwe mapiritsi ekuronga mhuri. Mumwe ari kuronga mhuri nenzira iyi ndiVasamuel Chimhini wemumusha weChikanga.

Asi VaTinashe Sigauke mugari wemaMutare uye vanobatsira vakawanda panyaya ndemishonga yechivanhu uye nezvemweya. VaSigauke vanoti nyaya yekuronga mhuri haidiwi pachitendero uye nemadziteteguru.

VaMasvingise vanoti chikamu chinosvika makumi maviri nemanomwe kubva muzana kana kuti 27 percent kubva chevanhurume mudunhu reManicaland vari kushandisa nzira yevasectomy iyi zvichienzaniswa negumi nevashanu kubva muzana kana kuti 15 percent munyika yose.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Loirdham Moyo