Varimi Vachena Votarisirwa Kutanga Kuripwa neHurumende Svondo Rinouya

  • Blessing Zulu

VaBen Gilpin mukuru weCommercial Farmers Union

Mukuru weCommercial Farmers Union, VaBen Gilpin, vanoti vari kutarisira kuti kutanga vhiki rinouya, varimi vachena mazana masere nemakumi matanhatu vanenge votanga kupihwa mari dzekubatsirikana semuripo wemapurazi avakatorerwa nehurumende muna 2000 achipihwa varimi vatema.

Hurumende yakaisa mubhajeti mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu nematatu emadhora emaRTGS yekuripa vakatorerwa minda ava.

Asi varimi vachena nehurumende vanonziwo vachaedza kutsvaga mutongi gava panyaya yemari chaiyo yemuripo zvikuru pazvivakwa nezvimwe zvikwanisiro zvakatorwa pavakamanikidzwa kubva muminda sezvo pasina kuwirirana.

Hurumende yaive pasi paVaRobert Mugabe yakatanga kubvuta minda muna 2000 ichishandisa mutemo wayakadzika kuitira kuti itore mapurazi aive evachena.

Panguva iyi munyika maive nevachena vaive nemapurazi vaidarika zviuru zvina nemazana mashanu.

Paitorwa minda iyi, pakadeuka ropa, kutyorwa kwekodzero dzevashandi vemumapurazi pamwe nedzavana muzvinapurazi.

Zimbabwe, iyo yaizivikanwa nekuva nyika yairimira chikafu dunhu rekuchamhembe kweAfrica, yakatanga kudzikira munyaya dzehupfumi sezvo varimi vatsva vainge vasingakwanisi kurima nemazvo.

Izvi zvakaita kuti Zimbabwe itadze kurima zvinoikwanira munyika mukapinda nzara zvekuti masangano anobatsira nechikafu ndiwo akanga opa vanhu chikafu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBen Gilpin