MDC neZanu PF Dzokumbira Imwe Nguva Yekupeta Nhaurirano.

  • Blessing Zulu

Vari kutungamira nhaurirano muhurumende yemubatanidzwa vanoti vari kuda kuti vapihwe nguva yekusvika zuva reKisimusi kuti vapedze misariridzwa yose yasara mugakava riri muhurumende yemubatanidzwa.

Izvi zvakabuda neChipiri mushure mekunge nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzati nyaya dzasaririra dzakaita sedzekugadzwa kwemagavhuna, gavhuna webhanga guru renyika, uye muchuchusi mukuru wehurumende, pamwe nekutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, hadzifaniri kuramba dzichinzi dzichazotaurwa nezvadzo.

Vane ruzivo nezvenhaurirano idzi vanoti patenderanwawo kuti nhepfenyuro dzinotepfenyura dziri kunze dzakaita seStudio7 neSW Radio Africa dzipihwe marezinesi ekuti dzitepfenyure dziri munyika.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti vari kuudza vari munhaurirano kuti vabude nezvinhu zvine musoro, uye zviri mugwara nechibvumirano che Global Political Agreement.

Muzvare Zulu vatiwo vachapa VaZuma gwaro rezvavakabuda nazvo, iro richazoendeswa kuna sachigaro weSADC Troika, VaArmando Guebuza, vanova zvakare mutungamiri weMozambique.

Muzvare Teressa Mugadza vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. Muzvare Mugadza vanoti kana vemapato matatu vakazvipira, vanogona kupedza zviri kunetsa nenguva pfupi pfupi.