VaRay Funani Vobatsira Vanogara kuMahombekome kwaMukuvisi

  • Blessing Zulu

Mukuru weFunani Sports Foundation VaRay Funani vanoti vambosendeka parutizvi zvirongwa zvekudzidzisa vechidiki mitambo yakasiyana siyana inosanganisira nhabvu, cricket, nemimwe kuti vabatsire vanhu vasina pekugara vachirarama nekupemha.

Vanhu ava vatarisana nenzara inotyisa nekuda kwekuti vanhu vari kunzi vagare mudzimba kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus. Izvi zviri kuremera vanorarama nekupemha sezvo pasina wekukumbira.

VaFunani vati vanhu vakawanda vari kuda rubatsiro vari mumahombekombe erwizi Mukuvisi kuMbare. Vanoti vakabatsirawo vanhu kuChitungwiza, Seke nekuMbare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRay Funani