Vashandi veHurumende Vopesana Matanho Avari Kutora

  • Blessing Zulu

VaTakavafira Zhou

Musangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council maita kusawirirana kunotyisa vamwe vachiti kuramwa mabasa ngakutange asi vamwe vachiti vanofanira kupa hurumende nguva sezvo zvinhu hazvina kugadzikana pari zvino.

Vashandi vanoti vakayedza kuita hurukuro nehurumende kuti vawedzerwere mari nemusi weChitatu, asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Sachigaro weApex Council, Amai Cecilia Alexander, vaudza Studio 7 kuti vamwe vashandi vari kutya kuratidzira sezvo vachitya kuti zvinogona kuzoita mhirizhonga sezvakaitika pakaratidzira vashandi pasi peZimbabwe Congress of Trade Unions.

Vatiwo pane vamwe vave nepfungwa yekuti vamwe vashandi vari kuda kushandiswa nemamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Cycilia Alexander

Asi mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vatenderana nerimwe sangano revadzidzisi reZIMTA kuti vatange kuramwa mabasa svondo rinouya.

Asi VaMajongwe varamba nyaya yekuti pane vamwe vave kuita zvematongerwo enyika vachiti ndezvevanhu vanotengesa chimurenga chevashandi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTakavafira Zhou