Varairidzi Vogununu'na neDanho reHurumende Rekuda Kuvabatira Mazuva Avo neNyaya yeKuratidzira

  • Jonga Kandemiiri

Doctor Takavafira Zhou

Sangano revarairidzi rePTUZ, rinoti harisi kufadzwa nemashoko anonzi ari kubva kuPublic Service Commission ekuti ichatorera varaidziri vanodarika zviuru gumi matanho anosanganisira kuvatorera mazuva kubva pamazuva avo ekuzorora.

Izvi zvinotevera gwaro rinonzi rabva kuboka rePublic Service Commission, iro rinonzi riri kutenderera mumasangano evashandi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reboka iri panyaya iyi, asi mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti nhengo dzavo dzakatovazivisa zvakare kuti hadzichakwanisa kuenda kumabasa mazuva ose epasvondo, asi kuti dzinokwanisa kuenda mazuva maviri chete pasvondo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou