Varairidzi Vobvuma Kunyoresa Bvunzo Kunyange Hurumende Isina Mari

  • Jonga Kandemiiri

Masangano makuru anomirira varairidzi anoti reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, neZimbabwe Teachers Association, Zimta, anoti achakurudzira nhengo dzawo kuti dzinyorese vana bvunzo dze”O” ne”A” Level, idzo dziri kutarisirwa kutanga neChina, kunyange hazvo hurumende iri kuti haina mari yekubhadhara vachanyoresa bvunzo.

Gurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, vakazivisa neChipiri kuti hurumende haina mari yekubhadhara varairidzi vachanyoresa bvunzo dzegore rino.

Munyori mukuru weZimta, VaRichard Gundani, vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo dzichabatsira vari kunyora bvunzo, apo sangano ravo rinenge richienderera mberi nekuita hurukuro nehurumende pamusoro penyaya iyi.

Dambudziko iri rinobuda apo bazi rezvebvunzo, reZimsec, riri kunzi rakanonoka kutumira magwaro anoratidza kuti mwana achange achinyora zvidzidzo zvipi, uye riini. Asi tsvakiridzo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti magwaro aya asvika kune zvimwe zvikoro munyika.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti pane zvimwe zvisinei nemari zvinogona kuitwa nehurumende kuripira mazuva anenge ashanda varairidzi vachanyoresa bvunzo.