VaNzuwa Voradzikwa kuHeroes Acre VaMnangagwa Vachivimbisa Kugadzirisa Zvichemo zveVashandi

  • Thomas Chiripasi

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti hurumende yavo yakazvipira kugadzirisa nyaya dzemari yemihoro yevashandi pamwe nezvose zvinodiwa mukuita basa ravo asi mamwe masangano anomirira vashandi anoti mashoko avo anofanira kuonekwa nebasa kwete kutaura chete.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya pakuradzikwa kwaVaMariyawanda Nzuwa nemusi weSvondo pamarinda anoradzikwa magamba enyika paHeroes Acre

Mutungamiri wenyika akati vashandi vehurumende vanofanira kushanda zvakasimba sezvaiitwa naVaNzuwa kuitira kuti mabasa ehurumende afambire mberi. VaMnangagwa vakatwoi hurumende yavo yakazvipira kugadzirisa zvese zviri kunetsa kuvashandi zvikurusei panguva ino yechirwere cheCovid 19.

Asi mutungamiri werimwe remasangano anomirira vadzidzisi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure vati hurumende yave nenguva ichingovimbisa vashandi mari asi pasina chiri kubuda.

VaMnangagwa vakati VaNzuwa munhu akashanda zvikuru kutsvaga zvikwanisiro zvaivaida mukurwisa hutongi hwevechichena panguva yavaishanda semudzidisi pane imwe yunivhesiti kuAmerica vasati vadzoka kumusha pakawana nyika kuzvitonga kuzere.

Ataura akamirira mhuri yekwa Nzuwa uye ari muzukuru wemufi, Amai Tendai Bare, vakati VaNzuwa munhu aive nerudo nemhuri pamwe nenyika yake uye munhu aida zvekurima zvikuru.

VaNzuwa vakaberekwa musi 9 Chivabvu 1941 kuNharira kuChivhu vakadzidza kuDriefontein kwaChirumhanzu nekwaKutamba kwaZvimba vasati vaenda kuAmerica kuzvidzidzo zvavo zvepamusoro kwavakasangana nemudzimai wavo Janice Mary Stevenson.

Vakapedza zvidzidzo zvavo kuAmerica vakazodzidzisa pane imwe yunivhesiti kunyika iyi vasati vadzoka kuZimbabwe payakawana kuzvitonga kuzere muna 1980 vachishanda mubazi rezvekutakurwa kwezvinhu.

Vakazove sachigaro wePublic Service Commission kubva muna 1992 kusvika muna2018 apo pavakazosiya basa iri vave kunorima kupurazi ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi