Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshushikana neKupambwa kweVanhu neVanofungidzirwa Kuti Vasori

  • Blessing Zulu

VaTawanda Muchehiwa, muzukuru wemupepeti mukuru webepanhau repadandemutande reZimlive, Mduduzi Mathuthu uyo ainge apambwa nevanofungidzirwa kuti vasori akawanikwa neMugovera manheru akatochwa zvakaipisisa.

Muchehiwa akapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori nemusi weChina kuBulawayo uye mutongi wedare ramejastiriti VaMartin Makonese vakange vapa mutongo wekuti aunzwe kudare mukati memaawa makumi masere nemaviri.

Zvichakadaro, neMugovera manheru nhengo yedare reparamende yeMbizo VaSettlment Chikwinya vakapona neburi retsono mushure mekunge pamba pavo pauya motokari dzinofungidzirwa kuti ndedzevasori kuzovapamba.

Vanhu vakawanda munyika kunzvimbo dzakaita seDzivarasekwa, St Mary’s, Masvingo neZvishavane vari kupomerawo mauto mhosva yekuvarova husiku.

Nekuda kwekuti mumisha mizhinji maberekera ingwe vamwe vanopikisa vave kuenda kunopotera kune dzimwe nzvimbo. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevasori VaOwen Ncube kuti tinzwe divi ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDzikamai Bere


Asi mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vakagara vazivisa kare kuti kuratidzira kwaisave pamutemo nekudaro vanhu vaizosungwa vakaronga kana kuratidzira.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum VaDzikamai Bere vanoti vari kushushikana zvikuru nekwavanoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu nemauto nemapurisa.