Vanhu Zana neMakumi Matatu neVapfumbamwe Vofa neKuda kweDutumupengo Idai

  • Blessing Zulu

Bazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko raburitswa padandemutande raro reTwitter kuti vanhu zana nemakumi matatu nemapfumbamwe vafa kusvika pari zvino nedambudziko reTropical Cyclone Idai.

Vanhu zana nemakumi masere nevapfumbamwe havasi kuzivikanwa kuti vari kupi uye vamwe vanosvika zana nemakumi matanhatu vari muzvitsuwa vakamirira kununurwa.

Mutauriri werimwe bazi reUnited Nations reWorld Food Programme kana kuti WFP VaHerve Verhoosel vati ongororo yavakaita nezuro inoratidza kuti vanhu zviuru mazana maviri muZimbabwe vakaputsirwa dzimba uye vanoda rubatsiro nechimbi chimbi.

WFP inoti kuChimanimani, zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvezvivakwa zvakaputswa dutumupengo iri.

Amai Solinda Ngwenya vekuBulawayo vanoti vakarasikirwa nemhuri yehanzvadzi yavo yese yainge iri kuChimanimani ichiita mabasa ekuparidza shoko raMwari.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Solinda Ngwenya

Zvichakadaro, vamwe vanhu vakawirwa nedambudziko iri vanoti havasati vawana rubatsiro.

Vamwe vanoti hurumende yeZimbabwe iyo ine zvikopokopo zviviri chete zveAir Force zviri kuManicaland inenge iri kuremerwa nezvinhu zvawedzerwawo nekuti migwagwa nemazambuko zvakaparadzwa.

VaBrighton Nyanisi vari muWard 14 kuChipinge East vanoti havasati vawana chikafu kubva nemusi weMugovera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMathew Mlambo

Mashoko aya atsinhirwa nemumiriri wenzvimbo iyi mudare reparamende, VaMathew Mlambo veMDC.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMathew Mlambo

Asi vachitaurawo nezvechikafu, gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu Doctor Sekai Nzenza vanoti nyaya yekuparara kwemigwagwa nemazambuko ndiyo iri kupa kuti chikafu chitadze kusvika kune dzimwe nzvimbo. Asi vati vari kushanda zvakasimba kuzvigadzirisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Gurukuro naDoctor Sekai Nzenza