Vanhu Voputsirwa Dzimba neMafashamu eMvura kuHwange

  • Blessing Zulu

Vamwe vagari vekuHwange vakaparadzirwa dzimba nemidziyo nemafashamu emvura nemusi weMugovera vave kugara paGuest House yekambani yeHwange Colliery apo hurumende iri kuita chipatapata kuyedza kuvabatsira.

Bazi rezvemamiriro ekunze reMet Department rakatoyambira vanhu nezvemafashamu emvura aya richiti nzvimbo dzakawanda dzenyika dzinenge dzakatarisana nedambudziko remafashamu emvura.

Rakayambira vanhu kuti vasayambuke nzizi dzakazara uye kusahwanda mvura pasi pemiti yakareba nekuti vanogona kurohwa nemheni.

Mutauriri wemumiriri wedare reparamende muHwange, VaDaniel Molokela, VaThulani Moyo vanoti vachiri kuyedza kuona kuti vanhu vangani vakaputsirwa dzimba nemidziyo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaThulani Moyo