Nyanzvi Dzokurukura Chirongwa cheKubhadharisa Vari Kunze Mitero

  • Jonga Kandemiiri

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara kunze kwenyika zviri kutarisirwa kuzobhadhara mitero kana hurongwa hwebazi rezvemari hukabudirira.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti vanenge vachibvisa mitero, vanozowanawo mukana wekuti vakwanise kuvhota uye kuva zvizvarwa zvenyika yavanenge vari, pamwe nekuramba vari zvizvarwa zveZimbabwe, kana kuti Dual Citizenship.

Ukuwo mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, kuti zvidzokere kumusha kunobatsira mukuvaka nyika, sezvo vanhu vane hunyanzvi vakawanda, vakabuda munyika nezvikonzero zvakasiyana siyana.

Zimbabwe inonzi ine vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vari kunze kwenyika, vazhinji vavo vakatiza zvematongerwo enyika pamwe nekuoma kwakanga kwaita hupenyu munyaya dzehupfumi.

Vakawanda vari kubvunza kuti zvinhu zvanaka here zvekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, zvingadzokera kumusha zvikanowana mabasa pamwe nekugara zvakanaka.

Vamwewo vari kubvunza mibvunzo yekuti nyaya yekuti vanhu vabvisiswe mari dzemitero ivo vasiri kushandisa zvivakwa nemigwagwa yemunyika, ingatambirwa seyi nevari kugara kunze kwenyika.

Sachigaro veZimbabwe Diaspora Forum, VaSolomon Chikohwero, avo vari kuSouth Africa, vanoti vanhu vemuZimbabwe vane kodzero dzekuvhota vari munyika mavari, kwete pfungwa dzehurumende dzekuda kuona kunge iri kuvaitira zvakanaka.

Nyanzvi munyaya dzeupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanotiwo kana hurumende iine hurongwa hwakadai, haifanirwe kukwezva vanhu nekuvavimbisa kuzokwanisa kuvhota, sezvo yagara iri kodzero yechizvarwa chese cheZimbabwe.