Vanhu Vari Kutaura Zvakasiyana Pamusoro Pekudzingwa KwavaMalema Mubato ReANC

Komiti ye ANC inoranga vanotadza yakati VaMalema vadzingwe mubato kwemakore mashanu mushure mekuonekwa vaine mhosva yekukanganisa zita remusangano.

Vanhu vakawanda vari kutaura zvakasiyana pamusoro pekudzingwa mubato reAfrican National Congress yeku South Africa, kwemutungamiri wevechidiki mubato iri, VaJulius Malema.

Komiti ye ANC inoranga vanotadza yakati VaMalema vadzingwe mubato kwemakore mashanu mushure mekuonekwa vaine mhosva yekukanganisa zita remusangano.

VaMalema vanonzi vakashora hurumende yava Ian Khama, mutungamiri weBotswana, senyika inoshandiswa nenyika dzekumadokero, uye inofanirwa kubviswa.

VaMalema vane zvakare dzimwe mhosva dzavakapara.

VaMalema vanoti vachapikisa mutongo wavakapihwa. Vane mazuva gumi nemashanu ekuita izvi.

VaMalema vanozivikanwa nekukurudzira South Africa kuti itore ivhu kuvarimi vechichena sezvakaitwa muZimbabwe, uye vazhinji muhurumende yava Jacob Zuma, vanoti VaMalema nevamwe vavo vanofurirwa neZANU-PF kuita zvavari kuita.

Vamwewo vanoti zvanotaurwa navaMalema ichokwadi nekuti veruzhinji muSouth Africa vachakasarira zvikuru panyaya dzehupfumi.

VaAlex Magaisa vanoongorora zvematongerwe enyika uye vachidzidzisa paKent University kuEngland vaudza Violet Gonda we Studio 7 kuti kunyangwe zvavo VaMalema vari munhu anga aine dambudziko mumaitiro avo nyaya dzematongerwe enyika, nyika ye South Afrrica ne hurumende yaVa Jacob Zuma vanenge vakanganisa vakasagadzirisa nyaya dzekupa hupfumi kune vatema vasina nekuti inyaya hombe mu South Africa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika inotaura yakazvimirira, va Rejoice Ngwenya vati kunyangwe hazvo Va Malema vaiva munhu ane rutsigiro rwukuru kune vechidiki mu South Africa, ANC yaratidza kuti ine gwara rekuranga mapenzi anoda kukanganisa zvinhu kuti vadzoke mugwara remusangano.