Vanhu Mazana Mana neMakumi Manomwe neVapfumbamwe (479) Vobatwa neCovid-19 Mumazuva Maviri

  • Blessing Zulu

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika nemusi weChitatu zvasiya vanhu vafa kubva chirwere ichi zvachatanga kupararira gore rapera vave chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi mana kana kuti 1, 640.

Vanhu mazana maviri nemakumi matatu nevasere kana kuti 238 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vanhu vabatwa nacho vave zviuru makumi mana nemazana mashanu nemakumi mashanu nematanhatu kana kuti 40, 556.

Nemusi weChipiri vamwe vanhu mazana mana nemakumi manomwe nevapfumbamwe vakabatwawo nechirwere ichi zvichireva kuti mumazuva maviri vanhu mazana mana nemakumi manomwe nepfumbamwe vabatwa nechirwere ichi.

Vanhu gumi nepfumbamwe vakapora neChitatu zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nezvinomwe nemakumi manomwe nevashanu kana kuti 37 075.

Vanhu vachiri kurwara vave chiuru chimwe chete nemazana masere nemakumi mana nemumwe kana kuti 1, 841.

Vanhu zviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nezvinomwe nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevapfumbamwe kana kuti 697 399 vabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 kekutanga.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave zviuru mazana mana nemakumi maviri nezvitatu zvinemazana mana nemakumi manomwe nevana kana kuti 423, 474.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira zvakanyanya. Kuwana nhomba kuri kuti netsei sezvo nyika dzakawanda dziri kuda kutanga dzabaya zvizvarwa zvadzo.

Doctor Enock Mayida vakambotungamira chipatara cheChitungwiza uye vari munyori musangano reZimbabwe Medical Association mudunhu reMashonaland vanoti kukwira kuri kuita huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi kunogona kureva kuti chirwere ichi chadzoka zvine mutsindo muZimbabwe.

Vayambira vanhu kuti vatevedzere matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi zvikuru kusaungana uye kugeza maoko nguva dzose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Enoch Mayida