Vanhu Makumi Maviri neVana Vanoshaya neDutumupengo Idai kuChipinge

  • Blessing Zulu

Dutumupengo Idai roparadza dzimba kuChipinge

Vakafanobata chigaro chemukuru wedunhu reManicaland kana kuti Provincial Administrator VaWilson Bonde vaudza vatori venhau nhasi kuti vanhu makumi maviri nevana vafa uye vamwe vanodarika zana nemakumi mashanu havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.

Nzvimbo dzanyanya kutarisana nedambudziko iri iChimanimani neChipinge uko kune dzimba dzakawanda dzaparadzwa uye mazambuko mamwe ayeredzwa. Nzvimbo zhinji hadzinawo magetsi zvapa kuti zvinetse kuziva zviri kuitika.

Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vange vachitarisirwa nenguva dzechina masikati kuti vaudze nyika nezvemamiriro ezvinhu.

Tichakupai zvizere panhau dzedu na 7 manheru