Zimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority inoti vanhu makumi matatu nevatatu vakaurayiwa nemhuka dzemusango gore rino sezvo dzakawanda dzacho dzave kutiza munzvimbo madzinogara nenzara yakonzerwa nekusanaya kwemvura dzichienda kumisha yevanhu.
Nzou dzinodarika zana neshanu dzafawo uye mhuka dzinosanganisira mbizi, mhara, mvuu neshiri dziri kufa nekuda kwekushaya mvura nechikafu.
Dambudziko iri rinonzi ranyaya kupararira munzvimbo yeMana Pools pedyo nemuganhu weZambia nechekumaodzanyemba kwenyika uye kuHwange National Park.
Nzara iyi yave kumanikidza veZIMPARKS kuti vachere zviborani nekutsvaga chikafu chekupa mhuka dzemusango idzi.
Mutauriri weZIMPARKS, VaTinashe Farawo, vanoti vari kutarisira kuti mvura itange kunaye kuti mhuka dzirarame.
Your browser doesn’t support HTML5
Huruukuro naVaTinashe Farawo