VaNgarivhume Vanoshanyira Nzvimbo yeMbudzi Yakaputswa neKanzuru Yakabatana neMapurisa

  • Blessing Zulu

Harare Demolutions1

Mutungamiri webato rinopikisa, reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vakashanyira nemusi nweChitatu nzvimbo dzakaputswa muHarare nemadhorobha akaipoteredza, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo vakawanda vasara vasina kana pekutangira.

Vanotiwo vamwe vanhu vatori nehumbowo hwekuti vange vachibhadhara mari dzemitero nekudaro vange vasingafunge kuti vachaparadzirwa zvavanotengesa.

Asi vachitaura neStudio 7 mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muHarare nenzvimbo dzakaitenderedza, VaTafadzwa Muguti, vakati kupwanywa kuri kuitwa zvivakwa zvevari kutengesera pasina kutarwa zviri pamutemo chisungo chedare remakurukota chakanangana nekuchenesa maguta uye vose vari kuita huori kupa vanhu mvumo yekuvaka pasina kukodzera kana kutengesera, vachasungwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hururo naVaJacob Ngaruivhume