Vanasikana Vakawanda Vosiya Chikoro Mushure Mekuita Mimba Munguva yeCovid-19

  • Blessing Zulu

pregnant

Mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vanoti vanasikana vose vakabata pamuviri vanokwanisa kuenderera mberi nechikoro sezvo uri iwo mutemo wenyika.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nehurumende iri kuratidza kuti mumwedzi miviri yekutanga kwegore, vana vanosvika zviuru zvishanu vakaita pamuviri vamwe vachitizira vamwe vachiroorwa vasati vabva zera.

Gurukota rezvemadzimai Amai Stembiso Nyoni vanoti nyaya yekuti vana havasi kuenda kuchikoro nguva zhinji nekuda kweCovid-19,iri kupa kuti vamwe vagume vombunyikidzwa kuita zvepabonde.

Mutauriri wesangano reInstitute for Young Women Development Muzvare Tinotenda Chihera vanoti hurumende inofanira kubatsira vasikana ava nekuti vakasaenda kuchikoro vanenge vazvikanda mukanwa mamupere.

Asi sezvo pose pafa unhu pasingashaike hapo muroyi, mutungamiri wesangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe Doctor Takavafira Zhou vanoti hurumende yakaramba kutambira zvavaironga kubatsira vana kana vasiri kuchikoro zvavanoti zvapa kuti vana vagume voita musikanzwa.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti huwandu hwevanasikana vari kusiya chikoro hwakakwira kudarika zviri kutaurwa nehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu