Vana Chiremba Voronga Kuramwa Mabasa Zvekare

  • Blessing Zulu

Gurukota rezvehutano VaObediah Moyo

Sangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association ranyora tsamba kuhurumende richiizivisa kuti vanachiremba vari kuzombomira kuenda kubasa sezvo mari dzavo dzisisakwane.

Vanachiremba vanoti mitengo yezvinhu zvose yawedzerwa asi mari yavo yemihoro isina kuwedzerwa.

Vanachiremba ava vanoti hurumende haisi kuratidza kuzvipira munhaurirano dzemari dzavanotambiriswa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano, Doctor Obadiah Moyo, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba iri, Doctor Peter Magombeyi, vanoti basa vanoda asi zvinhu zvakaita manyama amire nerongo zvekuti havachakwanisi kuenda kubasa nekuomerwa nezvinhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPeter Magombeyi