Vanachiremba Voenderera Mberi Vachiramwa Mabasa

  • Blessing Zulu

Gurukota rezvehutano Obadiah Moyo

Kusaenda kubasa kwavanachiremba munyika kwapinda muzuva retatu kunyange hazvo hurumende iri kuti iri kupa vashandi mari yekubatsirikana yavakawirirana inosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana yemari yavo yemuhoro inonzi inosvika mazana matanhatu emadhora emaRTGS.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti hurumende iri kuyedza napose painogona napo kugadzirisa nyaya yemihoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDonald Mujiri

Asi vakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Peter Magombeyi, vati kusaenda kwavo kubasa kuri kuenderera mberi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Peter Magombeyi

Vanachiremba vanoti vari kuda mari inosvika zviuru gumi nezvisere pamwedzi kana kuti inenge ichifambirana nedhora rekuAmerica pakutengeswa kwaro kumabhanga.

Vamwe vanamukoti vari pabasa vataura neStudio7 asi varamba kutaura mazita avo sezvo vasingatenderwe kutaura nevatori venhau vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende uye varwere vakawanda vasiri kunyanya kurwara vari kudzoserwa kumba.

Vati vanachiremba vakuru varipo vave kuremerwa nebasa zvekuti mumazuva mashoma vanenge votoda kubatsirwa nevechiuto.