Vanhu Vafa Mushure meKurohwa neMauto neMapurisa Vosvika paGumi neVashanu

  • Blessing Zulu

Sangano ravanachiremba reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights kana kuti ZADHR rinoti huwandu hwevanhu vashaya pachipomera mauto nemapurisa mhosva yekuvapfura kana kuvaita kafiramberi hwasvika pagumi nevashanu.

Izvi zvinotevera kushaya nemusi weChishanu mangwanani kwaVaNoah Sahumbe vane makore makumi maviri nemapfumbamwe ekuberekwa.

Vanonzi vakarohwa zvakaipisisa nemauto paZimunya Township kuManicaland vakamboendeswa kuMutare General Hospital vasati vaendeswa kuParirenyatwa uko vazoshaya vachida kugezwa itsvo dzakakuvara mushure mekurohwa kwavakaitwa.

Mufi anonzi asiya mudzimai nevana vaviviri.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, sezvo vanzi vange vabuda muhofisi mavo.

Nzvimbo zhinji dzinonzi dzaberekera ingwe sezvo mauto nemapurisa ari kupinda mudzimba dzevanhu achivazvindikita mushure mekuratidzira kwakasimba kwakaitwa nevanhu vachiti havasi kufara nekukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari.

Mumwe chiremba akabatsira VaSahumbe, uye ari nhengo yeZADHR, Doctor Milton Marowa, vanoti vakayedza zvose zvavanogona kuvabatsira asi zvakakona nekuti vainge vakanyanya kukuvara.

Vamwe vakafa mumhirizhonga yemazuva matatu mwedzi wapera vanosanganisira Tinashe Kelvin Choto (22) wekuUnit A kuChitungwiza; Trymore Nachiwe (22) wekuGlen View; Solomon Nyaruwa (49) wekuMarondera; Thandiwe Ncube weku Epworth, Tinashe Kaitano wekuKadoma; Tafadzwa Katare 22 wekuKuwadza, Kudakwashe Kapandamurongo, Abrahama Nyapokoto (35) wekuMbare, nevamwe.

ZDHR inoti vanhu vanodarika makumi manomwe vakarapwa maronda akakonzereswa nemabara epfuti.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti mauto akaiswa mumigwagwa senzira yekuchengetedza runyararo.

Ukuwo mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti nhengo dzebato ravo dzakawanda dziri muhusungwa dzichipomerwa mhosva ine chekuita nemhirizhonga yakaitika mwedzi wapera.

Vamwe vari muhusungwa vanosanganisira mumiriri weMbizvo, VaSettlement Chikwinya, mumiriri weMkoba, VaAmaos Chibaya nevamwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Milton Marowa