VanaChiremba naVanaMukoti Vanoti Vatambira Mari Yavawedzerwa neHurumende Asi Vachigunun'una

  • Jonga Kandemiiri

Sangano rinomirira vashandi vehurumende vanoita zvehutano, reHealth Apex Council, rinoti rambobvuma kutambira zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvemari iri kuda kuwedzerwa nayo mihoro yevashandi nehurumende kubva kutanga kwemwedzi uno.

Mutungamiri we Health Apex Council, VaPanganai Chivese, vanoti vashandi vatambura zvakanyanya zvekuti vambobvuma kutora zviri kupiwa nehurumende asi vachitaurirana.

VaChivese vanoti vashandi vari kuda kuti vatambiriswe mihoro inoenderana nehuremu hwemari kumabhanga pazuvaro, kana kuti inter-bank rate.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPanganai Chivese