Rimwe remakurukota ebazi rezvekupodza maronda nekugarisana kwakanaka munyika, VaMoses Mzila Ndlovu, vasungwa neChishanu nemapurisa vachipomerwa mhosva yekushoropodza hurumende pamusangano wakaitwa nemusi weChitatu ku Lupane mudunhu reMatabeleland North.
VaMzila-Ndlovu vanonzi vasungwa mangwanani pa roadblock kuLupane, apo vanga vachienda kumusangano wekuzeya zviri kuitika muchirongwa chekugarisana zvakanaka kuVictoria Falls.
VaMzila-Ndlovu vanonzi vanga vachifanirwa kunoudza musangano uyu pasvika bazi ravo munyaya dzekuregererana munyika. Sangano reBulawayo Agenda, iro ranga richifanirwa kupindawo mumusangano uyu, rinoti musangano uyu wakanzurwa zvichitevera kusungwa kwaVaMzila-Ndlovu.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, kanawo gweta raVaMzila-Ndlovu.
Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube mudunhu reBulawayo, VaEdwin Ndlovu, vanoti VaMzila-Ndlovu vanzi vachagara muchitokisi kusvika svondo rinouya.