Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato rinopikisa richangoumbwa rePeople Party uye vaimbova gurukota muhurumende yamuchakabvu Robert Mugabe, VaWalter Mzembi vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kusiya basa nekuti vakundikana.
Vatiwo VaMnangagwa vakaramba vachitungamira kusvika muna 2023 zvichakonzera kusagadzikana munyika uye vanenge votonga marinda sezvo vanhu vose vanenge vapera nenzara. Vanotiwo bato guru rinopikisa reMDC riri kutatarikawo sezvo riri kurega VaMnangagwa vachiita madiro aJojina.
VaMzembi avo vari muhupoteri vanoti vanofungidzirawo kuti vakaisirwa muchetura zvakapa kuti vavhiyiwe hura hwavo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaWalter Mzembi
Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vati zviroto kuti VaMnangagwa vasiye basa kusati kwapera makore mashanu sezvo vakasarudzwa nevanhu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaEnergy Mutodi
Panyaya yemuchetura vati kava VaMzembi vaine humbowo hwkuti ndiyani akazviita vanofanira kuenda kumapurisa.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC VaLuke Tamborinyoka varambawo mashoko ekuti bato ravo rakundikana kutora masimba vachiti VaMzembi havana kusiyana nevari muZanu-PF sezvo ivo vange varimo kwemakore akawanda.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka