VaMwonzora naVaParadza Vozeya Zvakadzama Kushanya kwaVaMuseveni

  • Blessing Zulu

FILE - Uganda's President Yoweri Museveni attends the World Economic Forum (WEF) annual meeting in Davos, Switzerland, Jan. 24, 2019.

Nyaya yekuuya kwemutungamiri wenyika weUganda, VaYoweri Kaguta Museveni, kuzovhura zviri pamutemo hurongwa hweZimbabwe International Trade Fair, ZITF, kuri kuramba kuchikonzera mutauro wakanyanya munyika.

Vanopikisa vanoti VaMuseveni nenyaya dzavo dzavanopomerwa dzekutyora kodzero dzevanhu vave kusvibisa hurongwa hwekutengeserana.

Asi vamwe muhurumende nemubato reZanu-PF vanoti VaMuseveni vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya nevanhu vanoda kusvibisa zita reZimbabwe nezvirongwa zvayo zvekutengeserana muAfrica.

Muunyori mukuru mubato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Senator Douglas Mwonzora, vanoti VaMuseveni vane nhoroondo yekutyora kodzero dzevanhu uye havafanire kunga vatombori pedyo nevatungamiri venyika dzinoti dzine hutongo hwejekerere.

Nhengo yeZanu-PF inomiririra Makonde mudare reparamende vari sachigaro wekomiti yezvekudyidzana nekutengeserana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vanoti VaMuseveni mumwe wevatungamiri vakuru muAfrica, nekudaro vanofanira kuremekedzwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora naVaKindness Paradza