VaMwonzora naVaGonese Votatsurana neNyaya yeGwara reKutora paHutungamiri hweMDC

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa naMuzvare Thokozani Khupe

Nhengo dzakawanda dzeMDC Alliance mudare reparamende nemakanzuru dzinoti dziri kutsigira VaNelson Chamisa kunyange hazvo vamwe vashoma vari kutsigira MDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Muzvare Khupe vanoti vari kuronga kuita imwe kongiresi mukati memwedzi miviri inotevera sezvakatongwa nedare repamusoro soro iro rakati bato iri ridzokere parakanga riri muna 2014.

Asi munyori munyaya dzezvemutemo muMDC Alliance, VaInnocent Gonese, vanoti zviri kudiwa nedare hazvikwanisike sezvo mimba isingabve negosoro.

Danho rakatorwa nemunyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora, rekudzinga nhengo ina dzedare reparamende rapawo kuti vanhu vakandirane makobvu nematete uye kuti patarisirwe sarudzo dze by elections kunyange hazvo hurumende iri kuti kuita izvi kunoidhurira.

Dzimwe nhengo dzedare reparamende dzeMDC Alliance dzave kuramwawo kuenda kudare dzichiratidza kunyunyuta nekudzingwa kwedzimwe nhengo mumatare eHouse of Assembly neSenate

Nhengo ina dzakadzingwa idzi dziri kupikisawo kumatare kudzingwa kwadzo dzichiti hakusi pamutemo.

Izvi zvaunza kusagadzikana kukuru munyaya dzezvematongero enyika, zvikuru mubato reMDC iro rakaumbwa muna 1999.

Zvichitevera kushaya kwaVaMorgan Tsvangirai muna 2018, pakaita kurwira masimba kunotyisa muMDC zvichitevera kukadzwa kunonzi kwakaitwa VaChamisa naVaTsvangirai vachirwara vari kuSouth Africa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaInnocent Gonese naVaDouglas Mwonzora