Vamwe Vanhu Voshaya Chivimbo neMauto

VaConstantino Chiwenga pavakange vachiri mumauto.

Zimbabwe yasvitsa gore mauto abvisa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro.

Vamwe vanoti vakafara zvikuru apo mauto akabvisa VaMugabe pachigaro nekuti vainge vaine tarisiro yekuti izvi zvakaitirwa mukuda kubatsira vanhu vakange vanyanya kutambura.

Asi ikozvino vave kuti kana vakaenzanisa nemamiriro akange aita zvinhu, hapana chakanyanya kushanduka kubva zvabviswa VaMugabe pachigaro.

Nyanzvi munyaya dzezvehufumi vachidzidzisa pa Devry University kuOhio muno muAmerica Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti kudyidzana kwevanhu nemauto kwachinja zvikuru kubva musi wavatora masimba zvekuti hapasisina kuvimbikana pakati pevanhu nemasoja.

“Zvakaitika zvinhu zvakatifadza, zvakafadza vanhu vazhinji asi pakazoita kushurikirwa kwevanhu vazhinji nokuti zvavaifungira kuti ndizvo zvichaitika masoja atora nyika handizvo zvakazoitika,” Muzvinafundo Masocha vaudza Studio 7.

Vati zvekare vanhu vaifunga kuti nyaya dzezvehupfumi hwenyika dzichagadziriswa nekukurumidza kusanganisa nezvese zvaivanetsa asi ndokuzoona kuti vakatora masimba ekutonga vange vane zvimwe zvinangwa zvakasiyana nezvaitarisirwa nevanhu

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naProfessor Elliot Masocha