Bazi reUnited Nations Office for the Coordination of Humanitarian Affairs rinoti nyaya yenzara iri kukonzera kuti vamwe vana vatadze kuenda kuchikoro munzvimbo dzakawanda.
Sangano iri rinoti pari zvino vanhu vanodarika mamiriyoni matatu kumaruwa nemamiriyoni maviri mumadhorobha vakatarisana nenzara yakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kusamira zvakanaka kwehupfumi sangano reInternational Monetary Fund, IMF, richiti inflation kana kuti mutengo wezvinhu wakakwira nezvikamu mazana matatu kubva muzana muna Nyamavhuvhu chete.
Sangano iri rati kusamira zvakanaka kwezvinhu kwapa kuti madzimai nevanasikana vanosvika zviuru mazana masere nemakumi mana nemumwe vade kuchengetedzwa sezvo kodzero dzavo dziri kumbunyikidzwa.
Ko hurumende iri kuitei kugadzirisa dambudziko revana vari kutadza kuenda kuchikoro kunzvimbo dzakaita saanaManicaland dzakawirwa nedambudziko redutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti Cyclone Idai?
Gurukota rezvedzidzo, Muzvinafundo Paul Mavima, avo vange vachishanya kuManicaland vanoti hurumende iri kupa zvikoro chibage kuitira kuti vana vawane chikafu chekudya.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
Asi mumwe murairidzi Muzvare Roselily Ushewekunze vekuVictoria Falls vanoti chave kunetsa muriwo wekudyisa chibage ichi. Vatiwo vamwe vabereki vari kuomerwa nekuwanira vana chouviri zvopa kuti vatadze kuuya kuchikoro.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMuzvare Roselily Ushewekunze