Vamwe kuMhangura Voramba Kubaya Nhomba yeCovid-19 Madzimai Akazvitakura neAri Kuyamwisa

Pregnancy vaccination Venezuela

Vamwe vari kubaya nhomba kuMhangura, mudunhu reMashonaland West vari kupikisana nekurudziro yehurumende yekuti madzimai akazvitakura kana kuti ari kuyamwisa abayiwe nhomba yeCovid-19 kana hutano hwavo hwakamira zvakanaka.

Mamwe madzimai audza Studio 7 kuti vari kudzoserwa kumba vasina kubaiwa nhomba yeCovid-19 vachinzi havabaiwe sezvo vakazvitakura kana kuti vachiri kuyamwisa.

Amai Emilda Mwala avo vari kuyamwisa mwana wavo ane mwedzi mitanhatu vanoti vakadzoswa paMakonde Christian Hospital.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mudzimai akazvitakura Amai Rutendo Makwara avo vanoti vakarambirwawo pakiriniki iri pedyo nekuGudubu kuMhangura.

Mukuru anoona nezvedzidziso yehutano kana kuti Provincial Health Promotion Officer mudunhu reMashonaland West Dr George Kambondo vaudza Studio 7 kuti dunhu ravo harisi kubaya nhomba madzimai akazvitakura kana vari kuyamwisa.

Dr Kambondo vanoti mhando yenhomba iri kushandiswa munyika iri kubva kunyika yeChina haina kuongororwa kuti inoshandiswa pamadzimai aya here pasina dambudziko.

Asi mukuru anoona nezvechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti hapana chakaipa kuti madzimai akazvitakura kana ari kuyamwisa vabaiwe nhomba.

Mashoko aya atsinhirwawo nevaive mukuru wechipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayida vati madzimai ari kuyamwisa anokwanisa kubayiwa nhomba uye vakatiwo madzimai akazvitakura asiri kurwarisa nezvirwere zvakaita seBP, shuga kana kunzwa dzungu anokwanisa kubayiwa nhomba.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri webazi rezvehutano vaDonald Mujiri avo vanga vachinzi vari mumusangano.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vanoti kusvika parizvino madzimai akazvitakura akabatwa nechirwere cheCovid-19 anosvika zvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana uye madzimai matatu akazvitakura vakafa nechirwere ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena