VaMutambara Vomisa VaNcube Kudzinga Nhengo dzeParamende?

  • Ntungamili Nkomo
Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanyorera mutauriri wedare reHouuse of Assembly, VaLovemore Moyo, pamwe nemutungamiri wedare reseneti, Amai Edna Madzongwe, vachivakurudzira kuti vasatambire kudzingwa kunonzi kwakaitwa nhengo shanu dzematare maviri aya neMDC inotungamirwa navaWelshman Ncube.

VaMutambara vanoti VaNcube havakwanise kudzinga nhengo idzi nokuti dzakasarudzwa ivo VaMutambara vari mutungamiri webato iri. VaMutambara vatiwo kusarudzwa kwaVaNcube kuri kupikiswa mudare repamusoro soro.

MDC-N inoti yakadzinga nhengo dzayo dzeHouse of Assemly dzinoti VaMaxwell Dube vekuTsholotsho South, VaThandeko Zinti Mkandla vekuGwanda North, na Muzvare Nomalanga Khumalo veUmzingwane.

Bato iri rinoti rakadzinga zvakare nhengo dzeseneti mbiri, VaDalumuzi Khumalo vekuLupane, pamwe chete naVaKembo Dube vekuUmzingwane.

Mutauriri weavo vanoti varimuMDC yaVaMutambara, VaMorgan Changamire, vanoti zvaitwa naVaNcube hazvizi pamutemo.

Asi mutauriri weMDC yaVaNcube, VaNhlanhla Dube, vanoti zviri kuitwa naVaMutambara hazvina nematuro ese.


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Morgan Changamire

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Nhlanhla Dube