VaMutambara Voparura Chirongwa cheZIDHIP muWashington DC
VaArthur Mutambara
WASHINGTON —
Nyanzvi munyaya dzinosanganisira dzehupfumi, dzehutano, dzezvematongerwo enyika nedzimwe dzakasiyana siyana, dziri kusangana neMugovera pamuzinda we Zimbabwe mu America uri mu Washington DC pamusangano wekupangana mazano pamwe nekuparura chirongwa che Zimbabwe Diaspora Home Interface Program, ZIDHIP.
Sachigaro weDiaspora Network Working Group, uye vachishanda ne World Bank mu Washington DC, Doctor Norbert Mugwagwa, vanoti chirongwa chavo ndechekubatsira nyika sezvo Zimbabwe iine vanhu vakadzidza vakawanda vari kunze kwenyika.