VaMugabe Vopikisa Mutongo Unoti Sarudzo Dziitwe

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakwidza nyaya kudare repamusoro soro, Supreme Court, vachipikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro muBulawayo, High Court, mwedzi wapera wekuti VaMugabe vatare mazuva ekuti paitwe sarudzo kuLupane, Nkayi neBulilima mukati memazuva gumi nemana.

Izvi zvinotevera chikumbiro chekuti dare riudze VaMugabe kuti vatare mazuva esarudzo chakaitwa nevarume vatatu vakadzingwa mubato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube.

Varume vatatu ava ndiVa Abednico Bhebhe, VaNjabuliso Mguni pamwe naVaNorman Mpofu avo vakanga vari nhengo dzedare reparamende.


Mapepa akaendeswa kudare naVaBhebhe, VaMguni naVaMpofu, anoti VaMugabe vari kutyora mutemo kana vachiramba kuti sarudzo dziitwe.

Asi mukupikisa vatatu ava, vachuchusi vehurumende vanoti mutongi wedare reHigh Court akaresva pakuti VaMugabe vanzi vadaidzire sarudzo idzi sezvo zvisiri pamutemo.

VaMugabe nevamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa vakawirirana kuti sarudzo dzimbomira kuitwa kwegore rimwe chete kubva muna 2009 pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, kuitira kuti pasaite mhirizhonga uye vachitiwo hurumende iripo yakanga isina mari yekuita sarudzo idzi.

Chibvumirano ichi chinobata vakawirirana, sezvo mitemo yenyika ichisungira kuti paitwe sarudzo kana paita mukana wakadaro.

Pane zvigaro zvinosvika gumi nezvipfumbamwe museneti nemuparamende yepasi zvisina vamiriri nenyaya yerufu, kudzingwa mudare nezvimwe zvikonzero zvakasiyana siyana.

Mamwe magweta audza Studio7 kuti VaMugabe havana nyaya yakati tsvikiti, asi vanoziva havo kuti vakapikisa mutongo wakapihwa uyu mudare repamusorosoro, nyaya iyi ichagarako kusvika madhongi amera nyanga.

VaBhebhe vanoti vari kuendesawo mapepa anopikisa zvaturwa nevachuchusi vehurumende ava kumatare.