VaMugabe Vokundikana Kuenda Kudare reParamende Kunopa Humbowo paKubiwa kweMangoda

Vaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChitatu vakatadza kuenda kuparamende kuti vanopa humbowo nemaerano nezvavakataura kuti nyika inogona kunge yakarasikirwa nemabhiriyoni gumi nemashanu emadhora kubva mukutengwa kwemangoda uye vave kutarisirwa kumira pamberi pedare nemusi weMuvhuro unotevera.

VaMugabe vange vakatarisirwa kumira pamberi pekomiti inoona nezvemhando dzemoto nezvicherwa nenguva dza9 mangwanani asi kusvika na11 vainge vasina kuuya izvo zvaita kuti komiti iyi iiite chisungo chekuvanyorera tsamba zvakare ichivazivisa kuti vauye kuzopa humbo wavo nemusi weMuvhuro.

Sachigaro vekomiti iyi, VaTemba Mliswa, vaudza vatori venhau kuti vave kutarisira kuti VaMugabe vauuye nemusi weMuvhuro kuti vazotuara zvese zvavanoziva panyaya yemangoda.

VaMliswa vati segweta uye semunhu mukuru, vanotarisira kuti VaMugabe vacharemekedza paramende nekuuya kuzotaura zvese zvavanoziva kuti komiti yavo ikwanise kupedzesa ongororo yavo panyaya dzemangoda munyika.

Pamutemo, paramende inobvumidzwa kunyorera munhu kaviri kuti azopa humbowo uye kana akatadza kuuya, paramende inozotumira masamanisi.

Komiti yaVaMliswa iri kuita ongororo yekucherwa nekutengeswa kwaiitwa mangoda kwaMarange nechinangwa chekuona kuti sei nyika iri kutambura asi iyo ine mangoda.

Panyaya yevaimbove gurukota rezvezvicherwa, VaObert Mpofu avo vakaramba kupa humbowo kukomiti iyi, pamwe nevaimbove mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri avo avakatadzawo kuuya kukomiti iyi, VaMliswa vanoti vachatura gwaro ravakanyora pamusoro penyaya iyi kumutauriri weparamende VaJacob Mudenda.

Mumwe mutori wenhau dzemabhizimisi, VaTawanda Karombo, vaudza Studio 7 kuti hapana zvakanyanya zvavanotarisira paongororo sezvo maparamende apfuura akamboita ongororo yakaita seiyi asi pakasatorwa matanho nehurumende.

Paongororo yayo, komiti yaVaMliswa yakataura nevamwe vakuru vakuru vemapurisa, mauto, vasori nevamwe vaive nemakambani aichera mangoda kwaMarange uye inoda kuona kuti sei hurumende isina kuwana mari yakwanda kubva kumangoda aya.

VaMugabe vachiri mutungamiriri wenyika, vakataura kuti nyika inogona kunge yakarasikirwa nemabhiriyoni gumi nemashanu emadhora kubva pakutengeswa kwemangoda ekwaMarange.

Komiti yaMliswa inotarisirwa kutura gwaro rezvaichawana kudare reparamende sarudzo dzisati dzaitwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya