VaMugabe Vokonzera Mutauro kuDenmark

  • Blessing Zulu

Kusvika kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kumusangano weUnited Nations Climate Change Conference muCopenhagen, kuDenmark neChipiri kwatotanga kukonzera mutauro nemasangano anorwira kodzero dzevanhu anoti VaMugabe havaifanirwa kubvumidzwa kupinda munyika iyi.

Denmark nedzimwe nyika dzemu European Union dzakatemera VaMugabe zvirango zvekufamba, asi VaMugabe vanokwanisa kuenda kumisangano yose inenge yarongwa neUnited Nations.

Musangano uyu wakanangana nekuona kuti nyika dzepasi rose hadzisi kuramba dzichisvibisa mweya wekufema pamwe nekuita zvinhu zvisingavhiringidze mamiriro ekunze.

NeMuvhuro nyika dzichiri kubudirira dzakatomboda kubuda mumusangano uyu dzichiti nyika dzakabudirira hadzina kuzvipira kugadzirisa zviri kunetsa. Asi kunyange hazvo kuine makakatanwa aya, VaMugabe vanonzi vari kukonzerawo mutauro.

Mutungamiri wehurumende yeDenmark, VaLars Loekke Rasmussen, vakatomanikidzwa kutaura nyaya yaVaMugabe vachiti vanovagashira kunyange nyika yavo isingatenderane nemabasa avo ekutyora kodzero dzevanhu.

VaMarlon Zakeyo igweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda nesangano reWorld Student Christian Federation. VaZakeyo vanoti masangano akazvimirira oga anofanira kuramba achiudza VaMugabe kuti vasatonge nedemo.