Mutauriri wemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, VaGeorge Charamba, vati vaimbova mutungamiri weLibya vaMuammar Gadaffi, vaisawirirana navaMugabe mune zvimwe zvinhu, zvikuru nyaya yekubvumidza vekumaviririra kuti vapinde nekushanda navo muLibya, izvo vanoti zvakazokonzeresa kubviswa pachigaro nekuurayiwa kwavo.
VaCharamba vaudza bepanhau reThe Herald kuti VaMugabe vaisawiriranawo nenyaya yaidiwa zvikuru naVaGadaffi yekuumba mubatanidzwa wenyika dzemuAfrica, weUnited States of Africa, ivo VaGadaffi vari mutungamiri.
VaCharamba vati kusawirirana mune zvimwe pakati paVaMugabe naCaGadaffi hakurevi kuti Zimbabwe naVaMugabe vanotambira firo yaVaGadaffi, vachiti izvi hazvibatsiri Africa.
VaMugabe naVaGadaffi vaizivikanwa nekuva nehushamwari, zvekuti mashoko aVaCharamba aya ashamisa vazhinji. VaMugabe vanonzi vaiwana rubatsiro kubva kuna VaGadaffi rwakaita semafuta munguva iyo nyika yainetsekana uye VaCharamba vati munguva yekutorwa kweminda muZimbabwe VaGadaffi vakabatsira Zimbabwe nerutsigiro rwekurima nezvimwe zvakadaro.
VaBasildon Peta, vanowe mupepeti wenhau ari muSouth Africa vati pava nemanyepo mazhinji kubva kunevatungamiriri vemuAfrica nekuti VaGaddafi havasisipo.
Vatiwo zvinhu zvishoma kwazvo zvaitadza kuwirirana VaMugabe naVaGadaffi asi nguva zhinji vaive shamwari dzepamwoyo.