VaMthuli Ncube Vopinda Mumisangano yeIMF neWorld Bank muAmerica

  • Blessing Zulu

VaMthuli Ncube

Gurukota rezvemari muzvinafundo Mthuli Ncube vari kupinda mumisangano yeWorld Bank neIMF yepagore kana kuti Spring Meetings muno muWashington DC.

Vanhu vanosvika zviuru zviviri nemazana masere vanove nhengo dzeIMF neWorld Bank uye vamwe vaongorori vanosvika mazana makumi matatu nemamakumi mashanu vari kupinda mumisangano iyi.

Misangano iyi yakatanga musi wa 9 Kubvumbi ichipera musi wa 14 unova musi weSvondo. Asi vachitaura kumucheto wemisangano iyi, VaNcube vakaudza bepanhau reBloomberg kuti vane hurongwa hwekudzosa zvekare dhora reZimbabwe mukati megore.

Vanoti vane hurongwa hwekuti vakumbirewo vamwe vari kumusangano uyu kuti vabatsirewo Zimbabwe padambudziko rayakasangana naro rakakonzerwa nedutumupengo kana kuti Cyclone Idai.

VaNcube vanonziwo vane hurongwa hwekuyedza kutsvaga rubatsiro kuti Zimbabwe ikanganwirwe zvikwereti zvayo. Zimbabwe inofanira kubhadhara mari inodarika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana masere.

Mutori wenhau weStudio 7 Marvellous Mhlanga Nyahuye anoti kunze kwaVaNcube, kunewo vamwe vechidiki kubva kuZimbabwe vari kupinda mumisangano iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMarvellous Mhlanga Nyahuye