VaMnangawa Votarisirwa Kutaura kuMusangano weUnited Nations neChina Manheru

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakabatana nevatungamiri vedzimwe nyika pakuvhura zviri pamutemo musangano wechimakumi manomwe nemashanu kana kuti 75th Session weUnited Nations.

Musangano uyu uri kupera nemusi weMugovera uye VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura neChina manheru kuGeneral Assembly.

VaMangangwa sevamwe vatungamiri vachataura vachishandisa vhidhiyo vari muHarare. Vatungamiri venyika vakawanda havasi kuenda kumuzinda weUnited Nations kuNew York semakore ose nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Dingindira regore rino rakanangana neremangwana renyika dzose uye sangano reUnited Nations nekubatana mukurwisa denda reCovid-19. Bepanhau reHerald rinoti VaMnangagwa vari kutarisirwa mangwana kukurudzira kubviswa kwezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika neAmerica, sangano reEU nedzimwe nyika.

Nyika idzi dzinoti zvirango zvichabviswa kana vamira nyaya dzekutyora kodzero dzevanhu dzavari kupomerwa. NeChipiri pamusangano wekupemberera makore makumi manomwe nemashanu sangano reUnited Nations raumbwa, mutungamiri wenyika yeSouth Africa vanove sachigaro weAfrica Union VaCyril Ramaphosa vakakurudzirawo kuti zvirango izvi zvibviswe.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mudare reparamende vachimirira Makonde, VaKindness Paradza vebato reZanu-PF vanoti zvirango ngazvibviswe sezvo zvauraya hupfumi hwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKindness Paradza

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti chauraya nyika huori kwete zvirango.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga