VaMnangagwa Voiswa Pakaoma neVana veVaimbove Varwiri veRusununguko?

Emerson Mnangagwa

Sachigaro vesangano rinozviti Children of Zimbabwe National Liberation War Veterans Association, kana kuti COZWA, Va Munyaradzi Shoko, vanoti sangano ravo riri kushanda zvakasimba mukuona kuti mutungamiriri we ZANU PF, Va Emerson Mnangagwa, havakundi musarudzo dzichaitwa munyika.

Vechidiki ava vanoti senzira yekuratidza kuti havasi kuda zvachose VaMnangagwa, vanoti vatanga chirongwa chavanotarisira kuparura nyika yese mwedzi uno usati wapera, che Hash Tag Operation Junta Must Fall.

VaShoko vanoti chirongwa ichi ndechekurwisana nehuori, hudzvanyiriri, nekutongwa kwenyika nemasimba echiuto.

Vanoti sevana vevaimbove varwiri verusununguko, ibasa ravo kurwira gwara rakarwirwa nevabereki vavo, iro vanoti VaMnangagwa havasi kuremekedzi.

Mumwe wevari mumusangano uyu vataura vakamiririra vamwe vavo, Va Levison Chambati, vanoti nyika yave kutungamirirwa nechisimba chemauto uye hutungamiri huripo hwasiya gwara ravakatanga naro iro ravanoti ndiro rakarwirwa nevabereki vavo.

Vati vanoda kuratidza kusafara kwavo nekusarudza vamwe vatungamiriri vasiri pazvigaro pari zvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuroi na Va Levison Chambati

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa Pretoria University ku South Africa, Doctor Tyanai Masiya, vanoti kune kupatsanuka kuri muZanu PF, vamwe vari kudivi reGeneration 40, iro riri kuratidza kuti pari zvino rakatorerwa masimba neTeam Lacost inotsigira VaMnangagwa.

Vanoti kupatsanuka uku ndiko kuri kunzora mvonga mupopoto iri muZanu PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Tyanai Masiya