VaMnangagwa Vosvika kuBotswana Kunonyorerana Zvibvumirano zveKudyidzana naVaMosisi

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kuBotswana kumusangano wekudyidzana unoitwa mukati memakore maviri nenyika iyi kana kuti Bi-National Commission.

VaMnangagwa vaenda nemakurukota anosanganisira rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, rezvekuburitswa kwemashoko amai monica mutsvangwa uye rezvehutano dr obadiah moyo.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana vati nhaurirano dzakatanga nemusi weChipiri uye mangwana VaMnangagwa nemumwe wavo VaMokgweetsi Masisi vachava zvapupu pakunyoreranwa kwezvibvumirano zvatenderanwa.

Zvibvumirano zviri munyaya dzezvekutengeserana, dzidzo uye nyaya dzezvehutano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNick Mangwana