VaMnangagwa Vopeta Musangano kuRussia

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vapeta nhasi musangano neRussia kuSochi.

Musangano uyu wange wakanangana nekukurudzira nyaya dzekutengeserana.

VaMnangagwa nezuro vakasangana nemutungamiri weRussia VaVladimir Putin uye vamwe vemabhizimisi vachiyedza kuvakwezva kuti vauye munyika kuzotanga mabizimisi ekutakura vanhu vachishanda neZUPCO neNRZ uye kuchera zvaiwanikwa zvakaita seplatinum, mangoda nezvimwe.

Nezuro takaita hurukuro nevanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaRejoice Ngwenya vakati musangano wekuRussia uyu kurovera hoko padehwe retsindi.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidza nedzimwe nyika VaKindness Paradza vanoti musangano uyu wakakosha sezvo nyika dzemuAfrica dzave nehurongwa hwekuita mushandirapamwe kuti dzitengese zvinhu kunze.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKindness Paradza