VaMnangagwa Voparura Musangano weZvekurima kuVictoria Falls

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnagagwa vakasvika muVictoria Falls nezuro sezvo vari munyarikani pamusangano uri kuitwa mudhorobha iri weSouthern African Confederation of Agicultural Unions.

Musangano uyu uri kutarisirwa kutanga nhasi. VaMnangagwa vakaendawo negurukota rinoona nezvekurima VaPerrance Shiri.

Nyika dzinosvika gumi nenhatu dziri kutarisirwa pamusangano uyu dzichizeya nyaya dzekutengeserana mune zvekurima. Masangano anoti Zimbabwe Farmers Union neCommercial Farmers Union ndiwo akaronga musangano uyu.

Panopera musangano uyu pari kutarisirwa kuti panenge pave sachigaro mutsva wesangano iri sezvo aripo ikozvino, Doctor Theo de Jager, vanenge voenda pamudyandigere.

Muzvinafundo munyaya dzezvekurima VaMandivamba Rukuni vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru kunyika dzekuchamhembe kweAfrica munyaya dzekutengeserana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Mandivamba Rukuni