VaMnangagwa Vokurudzirwa Kuti Vabatsire Mukutsvaga VaItai Dzamara

h 8, 2016. Dzamara was pleading for the return of her activist husband, abducted by suspected state security agents a ye

Mudzimai wevaive murwiri wekodzero dzevanhu akatsakatika makore mashanu apfuura, VaItai Dzamara, Amai Sheffra Dzamara nhasi vaendesa tsamba kuhofisi yemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yeMunhumutapa Building vachiti hurumende inofanira kutsvaga kune murume wavo.

Amai Dzamara vanoti tsamba yenyunyuto iyi ndeyechipiri yavaendeswa kuna VaMnangagwa kubva zvatsakatika murume wavo muna 2015.

Vanotiwo vakamboendesa tsamba yakadai kuhofisi yevaive mutungamiri wenyika muchakabvu Robert Mugabe.

Amai Dzamara vati hupenyu hwakavaomera zvikuru sezvo vachigarofunga kuti chii chakaitika kune murume wavo uye vati hurumende hapana zvairi kuvaitira parizvino kubatsira kutsvaka murume wavo.

Asi vati havasati varasa tariro yekuti murume wavo anogona kuwanikwa ari mupenyu.

Mutsamba yavo yenyunyuto iyi yaonekwa neStudio 7, Amai Dzamara vati vanoda kunzwa kubva kunaVaMnangagwa kuti chii chakaitika kumurume wavo sezvo vasina chekutaura kune vana vavo vaviri, Nenyasha na Nokutenda.

Vati vave kutoti kunyangwe vachifamba mudhorobha reHarare vakaona chero munhu ari kuzvifambira achipenga vanotombotarisa kuti haasi murume wavo here. Vanotiwo hakuna munhu anongotsakatika uye vati vanoziva kuti muhurumende pane anoziva zvakaitika kune murume wavo.

VaPatson Dzamara, vanova muninina waVaItai Dzamara vati vanotsutsumwa zvakanyanya nekuti hurumende haisi kuvabatsira kutsvaga kuna Itai.

Gweta remhuri yekwaDzamara, VaCharles Kwaramba vatsigirawo kuti hurumende haisi kumboratidza chido chekutsvaka VaDzamara zvisinei nekuti dare repamusoro reHigh Court muna 2015 rakapa chiga chekuti mapurisa aite zvese zvavanogona mukutsvaka VaDzamara .

Patabata mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyatsi kuti tinzwe kuti vave papi nekutsvaka VaDzamara, vati tivafonere mangwana sezvo nhasi vanga vakabatikana. Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba vange vasiri kudairwo nharembozha yavo.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vavimbisa kutaura neStudio 7 asi Havana kuzokwanisa kuita izvi pataenda pamhepo.

aItai Dzamara vakatorwa kumusha weGlenview 7 vachigerwa musoro nevanhu vasingazivikanwi asiwo masangano anorwira kodzero vachiti vanofungidzira kuti vasori vehurumende.

Vamwe vakatsakatikawo munyika vari kutsvagwa nehama dzavo vanosanganisira Muzvare Rashiwe Guzha, VaPatrick Nabanyama nevamwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Dzamara