VaMnangagwa Vari muBotswana kuMusangano weKutengeswa kweNyanga dzeNzou

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuKasane, Botswana nhasi kumusangano wakanangana nekuchengetedzwa kwenzou weKasane Elephant Summit uchapindwa nevatungamiri venyika dziri mugungano rinonzi Kavango-Zambezi (KAZA). VaMnangagwa vasvika muBotswana nhasi.

Nyika idzi dzinoti Angola, Botswana, Namibia, Zambia ne Zimbabwe.

Nyika idzi dziri kuyedza kubuda nechisungo chekuti dzibvuumidzwe kutengesa nyanga dzenzou pamberi pemusangano mukuru weConvention of International Trade on Endangered Species (CITES) in Flora and Fauna.

Gurukota rezvekushanyiwa kwenyika nezviwanikwa Amai Prisca Mupfumira vaudza Studio 7.

CITES yakarambidza kutengeswa kwenyanga dzenzou ichiti zvinokurudzira kuti dzizopote dzichiurayiwa.

Musangano wekuKasane wakatanga nemusi weChishanu uchitarisirwa kupera mangwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Prisca Mupfumira