VaMnangagwa Vanoti Vanoda Nhaurirano Asi VaChamisa Vachiti Pari Zvino Handiyo Nyaya Yakakosha

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa,vati vakazvipira kuti vaite nhauririrano nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter uye kutaura paZBC, VaMnangagwa vati vari kuda kuti pave nerunyararo nekubatana munyika.

Vatiwo mukova wavo wakavhurika uye vakatambanudza maoko avo kuti vaite hurukuro naVaChamisa vachiisa nyika pamberi.

Paturwa mutongo nedare, VaMnangagwa vabva vaita musangano nemagweta avo wekuzeya zvakabuda mudare.

Hatina kukwanisa kubata VaChamisa sezvo vainge vasiri kudaira nharembozha yavo.

Munyori wezvemutemo mubato reZanu-PF vari rimwe remagweta aVaMnangagwa, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vati vafara zvikuru nezvabuda mudare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana

Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti havana kufara uye havatambire zvabuda mudare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Nkululeko Sibanda