VaMnangagwa Vanoti Mupurisa neMusoja Vakarova Musungwa Vatorerwe Matanho

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa, vanoti mupurisa nemusoja vakaonekwa vachirova munhu airatidzira svondo rapera vanofanirwa kusungwa.

VaMnangagwa vataura izvi padandemutande reTwitter mushure mekunge nhepfenyuro yeSky News yabudisa vhidhiyo yemapurisa achirova musungwa akange aine simbi mumaoko.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio 7 kuti izvi zvinhu zvagara zvichiitika munyika kwenguva refu naizvozvo vanoda kuona vanotyora kodzero dzevanhu vachisungwa, kwete kungotaura sezvo muromo usingazarirwe nerwizi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda