VaMnangagwa Vanosangana neVechidiki veBato Ravo reZanu-PF

  • Jonga Kandemiiri

Vechidiki veZanu PF

Mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakasangana nevatungamiri vevechidiki vebato ravo muHarare vakati boka revechidiki iri harisi kunyatsoonekwa mashandiro aro panyaya dzekukwezva vechidiki kuti vave nechekuita mune mamiriro ezveupfumi hwenyika.

VaMnangagwa, avo vapinda musangano veNational Assembly yevechidiki ava, vatiwo vechidiki ava ndivo vanofanirwa kudzivirira pamwe nekusimudzira gwara remusangano weZanu PF.

Vatiwo vakatambira chikumbiro chevechidiki chekuti bazi roga roga rive neboka rinoona nezvezvido zvevechidiki, vachiti vachagara pasi kuti vazeye nezvechikumbiro ichi.

Munyori anoona nezvevechidiki kuZanu PF, VaPupurai Togarepi vanoti musangano uyu wanga wakakoshera vechidiki zvakanyanya sezvo uchivapa mukana wekusangana nemutungamiri wenyika.

VaTogarepi vanotiwo zvabuda mumusangano uyu zvichatakurwa nevechidiki vodzokera nazvo kumatunhu kwavo uko vachanozvishandisa mukusimudzira musangano wavo pamwe nenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPupurai Togarepi