VaMnanangwa Voita Musangano neVarairidzi neveMabhizimisi

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChitatu vakaita musangano nevarairidzi uye vemabhizimisi paCelebration Centre muHarare.

Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vakati zvakakosha zvikuru kuti hurumende ikoshese nyaya yekuvaka zvikoro mukusimudzira mabasa edzidzo munyika.

Musangano uyu wakawarongwa nebazi rezvedzidzo uyu wange uchiitwa pasi pedingindira rekukurudzira kuwaniswa kwedzidzo kuvanhu nenzira iri nyore kana kuti, “Promoting Access to Education through Infrastructure Investment”.

Gurukota rinoona nezvedzidzo, VaPaul Mavima, vaudza Studio7 kuti musangano uyu wange wakakosha zvikuru pakusimudzira nyaya yedzidzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Mavima

Kunyange hazvo mamwe masangano evadzidzisi akaita seProgressive Teachers Union of Zimbabwe kana kuti PTUZ neZIMTA ange ari pamusangano uyu, rimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ rinoti harina kuenda kuenda kumusangano uyu.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti musangano uyu unenge wange wakanangana nekutsvagira Zanu-PF rutsigiro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure