VaMnanagwa Voita Musangano neMapato Madiki MDC yaVaChamisa Ichiti Kutungana kweMbudzi

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano nevamwe vatungamiri vemapato madiki akakwikwidza musarudzo gore rapera.

Musangano uyi uri kuitwa pasi pechirongwa chinonzi Political Actors Dialogue kana kuti POLAD.

Asi musangano uyu hausi kupindwa nebato guru rinopikisa reMDC rinotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangwa vadzokorora chido chavo chekuti nyika ive nemari yayo.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaMngagwa panyaya yeMari yemunyika

Vati kana nyika yave kudzora dhora rayo, vanoda kudzika mutemo wekuti vanhu vasabvumidzwe kushandisa mari yekunze zvachose kana vachitenga nekutengesa zvinhu muZimbabwe.

Panyaya yezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika, VaMnangawa vati zvinofanira kubviswa sezvo zviri kukanganisa hupfumi hwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaMnangagwa paNyaya yeZvirango

Vavimbisawo kuti vanoda kurwisa huori munyika vachiti huri kukanganisa kugadzirisa hupfumi.

Vati vachadzika mutemo wekuti vanhu vatsanangure kunenge kwabva hupfumi hwavo. Vavimbisawo kuti vachazadzikisa zvimwe zviri kutaurwa kuPOLAD.

Mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T VaObert Gutu vapinda mumusangano uyu vanoti vange vasingaite zvekuruma vachifuridzira sezvo vange vachitaura zviri kunetsa vanhu zvikuru munyaya dzezvehupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu

Asi mutauriri webato reMDC rinotungamirwa naVaChamisa, VaJacob Mafume vati musangano uyu kutungana kwembudzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume