Vamiriri veVashandi veMumigodhi Vari Kugumurwa Mabasa Vodaidzira Nhaurirano neVashandirwi

Vakuru vevashandi vemimighodhi vari musangano reNational Mine Workers’ Union of Zimbabwe vanoti nhasi vari kuda kuita hurukuro nevaridzi vekambani inochera goridhe yeMetallon Corporation Group kuti vazeye nyaya yekumiswa basa kwevashandi vanosvika mazana masere.

Kambani iyi ine makambani anoti Shamva Mine, Redwing Mine, How Mine neMazoe Mine.

Mutungamiri werimwe sangano revashandi vemumighodhi, reNational Mine Workers’ Union of Zimbabwe VaNdodana Sithole, vaudza Studio7 kuti zvaitwa izvi hazvisi pamutemo sezvo vashandi vazhinji vane mwedzi mitanhatu kana kupfuura vasina kutambiriswa mari dzavo dzemihoro.

VaSithole vati vakatadza kutaurirana nyaya iyi inogona kuzoguma yave kumatare. Hatina kukwanisa kubata vakuru vepakambani iyi kuti tinzwe divi ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNdodana Sithole