VaMangudya Vanoti Vashandi veRBZ Vakanzi naVaLumumba Vaiita zveHuori Havana Mhosva

  • Blessing Zulu

VaAcie Lumumba

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vaburitsa mashoko kuvatori venhau ekuti vashandi vebhanga iri vana vaimbenge vamiswa basa vachipomerwa mhosva dzehuori vainge vazorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Izvi zvinotevera mashoko ainge ataurwa naVaAcie Lumumba musi wa 22 Gumiguru ekuti vana ava vaiita huori hunotyisa kuRBZ.

Asi Doctor mangudya vanoti vashandi ava havana mhosva yavakapara mushure meongororo yakaitwa nemapurisa uye nebhanga iri.

Vana ava vanoti VaMirirai Chiremba, VaNorman Mataruka, VaGresham Muradzikwa uye VaAzvinandava Saburi.

VaLumumba vaipomera varume ava mhosva yekutengesa mari yemabond notes nemukoto mumigwagwa kuti vawane mari yekuAmerica.